This is a printer friendly version

Search:

by keyword or phrase:

Go to:

Bible reference:

Translations:

Preferred Translations

  • Preferred Translations can be selected from the preferences tab

All Translations

Extra context verses: 0

john 1:1 (Table III)

Eusebian Number

1.1 3.14 4.1 4.3 4.5
Matt.1.1-16 Luke.3.23-38 John.1.1-5 John.1.9-10 John.1.14
1 Mazita amadzitateguru aJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu; 2Abhurahamu akabereka Isaka, Isaka akabereka Jakobho, Jakobho akabereka Judha navanun’una vake, 3Judhasi akabereka Faresi naZara kumukadzi wake Tamari, Faresi akabereka Esiromi, Esromi akabereka Arami, 4Arami akabereka Aminadhabhi, Aminadhabhi, Akabereka Nasoni,Nasoni akabereka Sarimoni, 5Sarimoni akabereka Bhowasi kumukadzi wake Rahabhi, Bhowasi akabereka Obedi kumukadzi wake Rute, Obedi akabereka Jese, 6Jese akabereka mambo Dhavhidhi, Dhavhidhi akabereka Soromoni kumukadzi waUria, 7Soromoni akabereka Robhoami, Robhoami akabereka Abhiya, Abhiya akabereka Asafa, 8Asafa akabereka Josafati, Josafati akabereka Joramu, Joramu akabereka Ozia, 9Ozia akabereka Jotamu, Jotamu akabereka Ahazi,Ahazi akabereka Ezekia, 10Ezekia akabereka Manase, Manase akabereka Amoni, Amoni akabereka Josia, 11Josia akabereka Jekonia navanun’una vake nenguva yokutapwa kwavo Bhabhironi. 12Shure kokutapwa kwavo Bhabhironi, Jekonia akabereka Saratieri, Saratieri akabereka Zorobhabheri, 13Zorobhabheri akabereka Abiudhi; Abiudhi akabereka Eriakimi,Eriakimi akabereka Azori; 14Azori akabereka Sadhoki, Sadhoki akabereka Akimi, Akimi akabereka Eriudhi, 15Eriudhi akabereka Ereazari Ereazari akabereka Matani,Matani akabereka Jakobho, 16Jakobho akabereka Josefa, murume waMaria, unova ndiye wakazvara Jesu, unonzi Kristu. 23Zvino iye Jesu wakanga anamakore anenge makumi matatu, nguva yaakatanga kudzidzisa, ari, pakufunga kwavanhu, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waHeri, 24mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMerki, mwanakomana waJanasi, mwanakomana waJosefa, 25mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNaumi, mwanakomana waEsri, mwanakomana waNagai, 26mwanakomana waMaati, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeion, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJoda, 27mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa, mwanakomana waZorobhabheri, mwanakomana waSaratieri, mwanakomana waNerai, 28mwanakomana waMerki, mwanakomana waAdi, mwanakomana waKosamu,mwanakomana waEmadamu, mwanakomana waEri, 29mwanakomana waJesu, mwanakomana waEriazeri, mwanakomana waJorimu, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, 30mwanakomana waSimeoni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waJonamu, mwanakomana waEriakimu, 31mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatatamu, mwanakomana waDhavhidhi, 32mwanakomana waJese, mwanakomana waJobedhi, mwanakomana waBoosi, mwanakomana waSara, mwanakomana waNasoni, 33mwanakomana waaAmininabi, mwanakomana waAdamini, mwanakomana waArni, mwanakomana waEsromi, mwana waFarisi, mwanakomana waJudha, 34mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaka, mwanakomana waAbhurahamu, mwanakomana waTara, mwanakomana waNahori, 35mwanakomana waSeruki, mwanakomana waRagau, mwanakomana waFareki, mwanakomana waEberi, mwanakomana waSarah, 36Mwanakomana waKainami, mwamakomana waArfakasadi, mwanakomana waSemu, mwanakomana waNoa, mwanakomana waRameki, 37mwanakomana waMatusara, mwanakomana waEnock, mwanakomana waJareti, mwanakomana waMarereeri, mwanakomana waKainami, 38mwanakomana waEnosi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhama, mwanakomana waMwari.
1 Pakutanga Shoko rakanga riripo, Shoko rakanga riri kunaMwari, Shoko rakanga riri Mwari. 2Ireri pakutanga rakanga riri kunaMwari. 3Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa. 4Vupenyu bwaiva maari: vupenyu bwaiva chiedza chavanhu. 5Chiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kuchikunda. 9Ichi chaiva chiedza chazvokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe pakusvika kwacho panyika. 10Wakanga ari panyika, asi nyika haina kumuziva. 14Shoko rakazova nyama, rikagara pakati pedu, (tikavona kubwinya kwake, kubwinya soko wakaberekwa mumwe chete wababa,) azere nenyasha nezvokwadi.